Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mika 3:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Asi kana ndirini, ndizere nesimba, noMweya waJehovha, uye nokururamisira nesimba, kuti ndizivise Jakobho kudarika kwake.

9. Inzwai izvi, imi vatungamiri veimba yaJakobho, imi vatongi veimba yaIsraeri, munozvidza kururamisira uye munominamisa zvose zvakanaka;

10. munovaka Zioni nokudeura ropa, uye Jerusarema nouipi.

11. Vatungamiri varo vanotongera fufuro, vaprista varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro, uye vaprofita varo vanoprofita kuti vapiwe mubayiro. Asi vanozendama pana Jehovha voti, “Ko, Jehovha haasi pakati pedu here? Hapana njodzi ingatiwira.”

12. Naizvozvo nokuda kwenyu, Zioni richarimwa somunda, Jerusarema richava murwi wamabwe, pachikomo pamire temberi, pachava dondo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mika 3