Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 9:7-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Jehovha anotonga nokusingaperi; akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge.

8. Achatonga nyika nokururama; achatonga marudzi nokururamisira.

9. Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa, nhare yakasimba panguva yokutambudzika.

10. Vanoziva zita renyu vachavimba nemi, nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.

11. Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza, iye agere pachigaro choushe muZioni; paridzai zvaakaita pakati pendudzi.

12. Nokuti iye anotsiva ropa anorangarira; haashayiri hanya kuchema kwavanotambudzwa.

13. Haiwa Jehovha, onai kuti vavengi vangu vanonditambudza sei! Ndinzwirei ngoni mundisimudze pamasuo orufu,

14. kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu mumasuo oMwanasikana weZioni, apo pandichafara muruponeso rwenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 9