Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 9:13-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Haiwa Jehovha, onai kuti vavengi vangu vanonditambudza sei! Ndinzwirei ngoni mundisimudze pamasuo orufu,

14. kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu mumasuo oMwanasikana weZioni, apo pandichafara muruponeso rwenyu.

15. Ndudzi dzakawira mugomba radzakachera; tsoka dzavo dzakabatwa nemimbure yavakaviga.

16. Jehovha anozivikanwa nokururamisira kwake; vakaipa vakateyiwa namabasa amaoko avo.Higayoni Sera

17. Vakaipa vanodzokera kuguva, idzo ndudzi dzose dzinokanganwa Mwari.

18. Asi vanoshayiwa havangagari vachikanganwikwa, uye tariro yavanotambudzwa haingaparari.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 9