Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 9:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichataura pamusoro pezvishamiso zvenyu zvose.

2. Ndichafara nokufarisisa mamuri; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro.

3. Vavengi vangu vanodzokera shure; vanogumburwa uye vanoparara pamberi penyu.

4. Nokuti makatsigira kodzero yangu nemhosva yangu; makagara pachigaro chenyu choushe, muchitonga zvakarurama kwazvo.

5. Makatuka ndudzi mukaparadza vakaipa; makadzima zita ravo nokusingaperi.

6. Kuparadzwa kusina magumo kwakakunda muvengi, makadzura maguta avo; kunyange chiyeuchidzo chavo chakaparara.

7. Jehovha anotonga nokusingaperi; akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge.

8. Achatonga nyika nokururama; achatonga marudzi nokururamisira.

9. Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa, nhare yakasimba panguva yokutambudzika.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 9