Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 89:45-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

45. Makatapudza mazuva oujaya hwake; makamufukidza nejasi renyadzi. Sera

46. Haiwa Jehovha kusvikira riniko? Muchazvivanza nokusingaperi here? Hasha dzenyu dzichapisa somoto kusvikira riniko?

47. Rangarirai kuti upenyu hwangu hunopfuura sei. Nokuti makasikira vanhu vose zvisina maturo!

48. Ko, munhu ndoupi angararama akasaona rufu, kana angazviponesa pasimba reguva? Sera

49. Haiwa Ishe, rudo rwenyu rukuru rwekare ruripiko, irwo rwamakapika nokutendeka kwenyu kuna Dhavhidhi?

50. Rangarirai, Ishe kuti muranda wenyu aisekwa sei, kuti ndaitakura sei muchipfuva changu kutuka kwendudzi dzose,

51. kutuka uko vavengi venyu vaikusekai nako, imi Jehovha, pavaiseka nhambwe imwe neimwe yomuzodziwa wenyu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 89