Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 89:4-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. ‘Ndichasimbisa imba yako nokusingaperi, uye ndichasimbisa chigaro chako choushe kumarudzi namarudzi.’ ” Sera

5. Matenga anorumbidza zvishamiso zvenyu, imi Jehovha, kutendeka kwenyuwo muungano yavatsvene.

6. Nokuti ndianiko kudenga kumusoro angaenzaniswa naJehovha? Ndianiko akaita saJehovha pakati pezvisikwa zvokudenga?

7. Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene; iye anotyisa kwazvo kupfuura vose vakamupoteredza.

8. Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, ndianiko akaita semi? Mune simba, imi Jehovha, uye kutendeka kwenyu kunokupoteredzai.

9. Munotonga pamusoro pokusunda kwegungwa; mafungu aro paanosimuka, munoanyaradza.

10. Makapwanya Rahabhi somumwe wavakaurayiwa; makaparadzira vavengi venyu noruoko rwenyu rune simba.

11. Matenga ndeenyu, nenyika ndeyenyuwo; makavamba nyika nezvose zviri mairi.

12. Ndimi makasika kumusoro nezasi; Tabhori neHerimoni zvinoimbira zita renyu nomufaro.

13. Ruoko rwenyu rwakazara nesimba; chanza chenyu chine simba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa.

14. Kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chenyu choushe; rudo nokutendeka zvinokutungamirirai.

15. Vakaropafadzwa avo vakadzidza kukurumbidzai, vanofamba muchiedza pamberi penyu, imi Jehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 89