Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 89:27-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Ndichamugadzawo kuti ave dangwe rangu, iye anokudzwa zvikuru pamadzimambo enyika.

28. Ndichachengetedza rudo rwangu kwaari nokusingaperi, uye sungano yangu naye haitongoperi.

29. Ndichasimbisa imba yake nokusingaperi, chigaro chake choushe chero matenga achingovapo.

30. “Kana vana vake vakasiya murayiro wangu, uye vakasatevera zvandakatema,

31. kana vakazvidza mitemo yangu, uye vakakoniwa kuchengeta mirayiro yangu,

32. ndicharanga chivi chavo neshamhu, uye kuipa kwavo nokurova kukuru;

33. asi handizobvisi rudo rwangu kwavari, kana kuzombopandukira kutendeka kwangu.

34. Handizozvidzi sungano yangu kana kushandura zvakarehwa nemiromo yangu.

35. Kamwe chete, ndakapika noutsvene hwangu, uye handingarevi nhema kuna Dhavhidhi,

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 89