Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 89:20-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; ndakamuzodza namafuta matsvene.

21. Ruoko rwangu ruchamutsigira; zvirokwazvo chanza changu chichamusimbisa.

22. Hakuna muvengi achamuripisa mutero; hakuna munhu akaipa achamudzvinyirira.

23. Ndichapwanya vavengi vake pamberi pake, uye ndicharovera pasi vadzivisi vake.

24. Rudo rwangu rwakatendeka ruchava naye, uye runyanga rwake ruchasimudzirwa muzita rangu.

25. Ndichaisa ruoko rwake pamusoro pegungwa, ruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi.

26. Iye achadana kwandiri, achiti, ‘Ndimi Baba vangu, Mwari wangu, Dombo noMuponesi wangu.’

27. Ndichamugadzawo kuti ave dangwe rangu, iye anokudzwa zvikuru pamadzimambo enyika.

28. Ndichachengetedza rudo rwangu kwaari nokusingaperi, uye sungano yangu naye haitongoperi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 89