Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 84:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ugaro hwenyu hwakanaka sei, imi Jehovha Wamasimba Ose!

2. Mweya wangu unopanga, kunyange kuziya chaiko, nokuda kwevanze dzaJehovha; mwoyo wangu nenyama yangu zvinodana kuna Mwari mupenyu.

3. Kunyange shiri diki yakazviwanira imba, nenyenganyenga yakazviwanirawo dendere kwaingachochonyera vana vayo, iyo nzvimbo iri pedyo nearitari yenyu, imi Jehovha Wamasimba Ose, Mambo wangu naMwari wangu.

4. Vakaropafadzwa avo vanogara mumba menyu; vanogara vachikurumbidzai. Sera

5. Vakaropafadzwa avo vane simba ravo mamuri, vakaisa mwoyo yavo parwendo rweZioni.

6. Pavanopfuura nomuMupata weBhaka, vanouita nzvimbo yamatsime; mvura yomuzhizha inouzadzawo namadziva.

7. Vanowedzera simba pasimba, kusvikira mumwe nomumwe wavo amira pamberi paMwari muZioni.

8. Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose; rerekerai nzeve yenyu kwandiri, imi Mwari waJakobho. Sera

9. Haiwa Mwari, tariraiwo nhoo yedu; ringirai nenyasha dzenyu pamuzodziwa wenyu.

10. Zviri nani kuva pavazhe dzenyu kwezuva rimwe chete, kupfuura mazuva zviuru ndiri kumwe; ndingada zvangu kuva murindi womukova weimba yaMwari wangu kukunda kugara mumatende avakaipa.

11. Nokuti Jehovha Mwari ndiye zuva nenhoo; Jehovha anopa nyasha nokukudzwa; hapana chinhu chakanaka chaanganyima avo vanofamba zvakarurama.

12. Haiwa Jehovha Wamasimba Ose, akaropafadzwa munhu anovimba nemi.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 84