Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 81:8-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichakuyambirai, kana mukada chete kunditeerera, imi Israeri!

9. Pakati penyu ngaparege kuva namwari wavatorwa, musapfugamira mwari wokumwe.

10. Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva munyika yeIjipiti. Shamisa muromo wako kwazvo, ndigouzadza.

11. “Asi vanhu vangu havana kuda kundinzwa, Israeri haana kuda kuzviisa pasi pangu.

12. Saka ndakavaregera paukukutu hwemwoyo yavo, kuti vatevere mano avo.

13. “Kana vanhu vangu vakada kunditeerera, kana Israeri akada kutevera nzira dzangu,

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 81