Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 81:11-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. “Asi vanhu vangu havana kuda kundinzwa, Israeri haana kuda kuzviisa pasi pangu.

12. Saka ndakavaregera paukukutu hwemwoyo yavo, kuti vatevere mano avo.

13. “Kana vanhu vangu vakada kunditeerera, kana Israeri akada kutevera nzira dzangu,

14. ndaikurumidza kukunda sei vavengi vavo nokurova vavengi vavo noruoko rwangu!

15. Vaya vanovenga Jehovha vachatya pamberi pake, uye kurangwa kwavo kuchagara nokusingaperi.

16. Asi imi muchagutswa nezviyo zvakaisvonaka; uye ndichakugutsai nouchi hunobva padombo.”

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 81