Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 81:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Imbirai Mwari nomufaro iye simba redu; danidzirai kuna Mwari waJakobho!

2. Vambai rwiyo, muridze tambureni, ridzai mbira dzinonakidza nomutengeranwa.

3. Ridzai runyanga rwehwai paKugara kwoMwedzi, uye pakuchena kwomwedzi, pazuva roMutambo wedu;

4. ichi ndicho chirevo chaIsraeri, chakatarwa naMwari waJakobho.

5. Akachisimbisa somutemo wakanyorwa waJosefa panguva yaakandorwa neIjipiti, uko kwatakanzwa mutauro watakanga tisinganzwisisi.

6. Iye akati, “Ndakabvisa mutoro pamapfudzi avo; maoko avo akasunungurwa padengu.

7. Pakutambudzika kwako wakadana ini ndikakununura, ndakakupindura ndiri mugore romutinhiro; ndakakuedza pamvura zhinji yeMeribha. Sera

8. Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichakuyambirai, kana mukada chete kunditeerera, imi Israeri!

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 81