Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 80:7-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose; penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe.

8. Makabudisa muzambiringa kubva muIjipiti; makadzinga ndudzi mukaudyara.

9. Makaukurira nzvimbo, uye ukava nemidzi ukazadza nyika.

10. Makomo akanga akafukidzwa nomumvuri wawo, nemisidhari mikuru namatavi awo.

11. Wakatandavadza matavi awo kusvikira kuGungwa, namabukira awo kusvikira kuRwizi.

12. Seiko makaputsa masvingo awo kuti vose vanopfuura napo vanonge mazambiringa awo?

13. Nguruve dzinobva musango dzinouparadza, uye zvisikwa zvesango zvinoudya.

14. Dzokerai kwatiri, imi Mwari Wamasimba Ose! Tarirai muri kudenga muone! Rindai muzambiringa uyu,

15. iwo mudzi wakasimwa noruoko rwenyu rworudyi, mwanakomana wamakazvirerera.

16. Muzambiringa wenyu watemerwa pasi, wapiswa nomoto; pakutuka kwenyu, vanhu venyu vanofa.

17. Ruoko rwenyu rworudyi ngarugare pamusoro pomunhu ari kurudyi kwenyu, mwanakomana womunhu wamakazvirerera.

18. Ipapo hatingazobvi kwamuri; timutsiridzei, tigodana kuzita renyu.

19. Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose; penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 80