5. Makavapa chingwa chemisodzi kuti vadye; makaita kuti vanwe misodzi yakawanda.
6. Makatiita mavambo enharo kuna vatigere navo, uye vavengi vedu vanotiseka.
7. Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose; penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe.
8. Makabudisa muzambiringa kubva muIjipiti; makadzinga ndudzi mukaudyara.
9. Makaukurira nzvimbo, uye ukava nemidzi ukazadza nyika.
10. Makomo akanga akafukidzwa nomumvuri wawo, nemisidhari mikuru namatavi awo.