Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 80:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Makavapa chingwa chemisodzi kuti vadye; makaita kuti vanwe misodzi yakawanda.

6. Makatiita mavambo enharo kuna vatigere navo, uye vavengi vedu vanotiseka.

7. Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose; penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe.

8. Makabudisa muzambiringa kubva muIjipiti; makadzinga ndudzi mukaudyara.

9. Makaukurira nzvimbo, uye ukava nemidzi ukazadza nyika.

10. Makomo akanga akafukidzwa nomumvuri wawo, nemisidhari mikuru namatavi awo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 80