14. Dzokerai kwatiri, imi Mwari Wamasimba Ose! Tarirai muri kudenga muone! Rindai muzambiringa uyu,
15. iwo mudzi wakasimwa noruoko rwenyu rworudyi, mwanakomana wamakazvirerera.
16. Muzambiringa wenyu watemerwa pasi, wapiswa nomoto; pakutuka kwenyu, vanhu venyu vanofa.
17. Ruoko rwenyu rworudyi ngarugare pamusoro pomunhu ari kurudyi kwenyu, mwanakomana womunhu wamakazvirerera.
18. Ipapo hatingazobvi kwamuri; timutsiridzei, tigodana kuzita renyu.
19. Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose; penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe.