Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 69:9-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. nokuti kushingairira imba yenyu kwandipedza, uye kutuka kwaavo vanokutukai kunowira pamusoro pangu.

10. Pandinochema nokutsanya, ndinofanira kushinga pakusekwa;

11. pandinofuka nguo dzamasaga, vanhu vanondiita shumo.

12. Vaya vanogara pasuo vanondiseka, uye ndiri rwiyo rwezvidhakwa.

13. Asi ndinonyengetera kwamuri, imi Mwari, panguva inokufadzai; murudo rwenyu rukuru, imi Mwari, ndipindurei noruponeso rwenyu rwechokwadi.

14. Ndinunurei mumatope, musandirega ndichinyura; ndirwirei kuna vanondivenga, napamvura zhinji yakadzika.

15. Musatendera mvura yamafashamu kuti indifukidze, kana kwakadzika kuti kundimedze kana kuti gomba rizarure muromo waro pamusoro pangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 69