6. Vaya vane tariro mamuri ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu, haiwa Ishe, Jehovha Wamasimba Ose; vanokutsvakai ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu, haiwa Mwari waIsraeri.
7. Nokuti ndinotsunga kusekwa hangu nokuda kwenyu, uye nyadzi dzafukidza chiso changu.
8. Ndiri mutorwa kuhama dzangu, nomweni kuvanakomana vamai vangu;
9. nokuti kushingairira imba yenyu kwandipedza, uye kutuka kwaavo vanokutukai kunowira pamusoro pangu.
10. Pandinochema nokutsanya, ndinofanira kushinga pakusekwa;
11. pandinofuka nguo dzamasaga, vanhu vanondiita shumo.