Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 69:17-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu; ndipindurei nokukurumidza, nokuti ndava mudambudziko.

18. Swederai pedyo mundinunure; ndidzikinurei nokuda kwavavengi vangu.

19. Munoziva kusekwa kwangu, kunyadziswa nokusakudzwa kwangu; vavengi vangu vose vari pamberi penyu.

20. Kusekwa kwaputsa mwoyo wangu, uye kwandisiya ndisisina chingandibatsira; Ndakatsvaka vangandinzwira ngoni, asi ndakavashaya, vangandinyaradza, asi ndakavashayazve.

21. Vakaisa nduru mune zvokudya zvangu, uye vakandipa vhiniga pandaiva nenyota.

22. Tafura yagadzirwa pamberi pavo ngaive musungo; ngaive shamhu yokuranga neriva.

23. Meso avo ngaapofumadzwe kuti varege kuona, uye misana yavo iminame nokusingaperi.

24. Dururirai hasha dzenyu pamusoro pavo; kutsamwa kwenyu kunotyisa ngakuvakurire.

25. Nzvimbo yavo ngaisiyiwe; ngaparege kuva nomunhu anogara mumatende avo.

26. Nokuti vanotambudza vaya vamakarova, uye vanotaura pamusoro pokurwadziwa kwavakakuvadzwa nemi.

27. Vapei mhosva pamusoro pemhosva; ngavarege kuva nomugove woruponeso rwenyu.

28. Ngavadzimwe mubhuku roupenyu, uye varege kuverengwa pamwe chete navakarurama.

29. Ndiri pakurwadziwa nenhamo; ruponeso rwenyu imi Mwari, ngarundidzivirire.

30. Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo, uye ndichamukudza nokuvonga.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 69