1. Ndiponesei, imi Mwari, nokuti mvura zhinji yakwira kusvikira pamutsipa wangu.
2. Ndinonyura munhope yakadzika, pasina pangatsika makumbo angu. Ndapinda mumvura yakadzika; ndafukidzwa namafashamu.
3. Ndaneta nokuridza mhere yokuti ndibatsirwe; huro dzangu dzaoma, meso angu aneta, nokumirira Mwari wangu.
4. Vanondivenga ndisina mhosva vakawanda kupfuura bvudzi romusoro wangu; vanondivenga ndisina mhosva vazhinji, avo vanotsvaka kundiparadza. Ndinomanikidzwa kudzosera zvandisina kuba.
5. Munoziva upenzi hwangu, imi Mwari; mhaka yangu haina kuvanzika kwamuri.
6. Vaya vane tariro mamuri ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu, haiwa Ishe, Jehovha Wamasimba Ose; vanokutsvakai ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu, haiwa Mwari waIsraeri.
7. Nokuti ndinotsunga kusekwa hangu nokuda kwenyu, uye nyadzi dzafukidza chiso changu.
8. Ndiri mutorwa kuhama dzangu, nomweni kuvanakomana vamai vangu;
9. nokuti kushingairira imba yenyu kwandipedza, uye kutuka kwaavo vanokutukai kunowira pamusoro pangu.
10. Pandinochema nokutsanya, ndinofanira kushinga pakusekwa;
11. pandinofuka nguo dzamasaga, vanhu vanondiita shumo.
12. Vaya vanogara pasuo vanondiseka, uye ndiri rwiyo rwezvidhakwa.
13. Asi ndinonyengetera kwamuri, imi Mwari, panguva inokufadzai; murudo rwenyu rukuru, imi Mwari, ndipindurei noruponeso rwenyu rwechokwadi.
14. Ndinunurei mumatope, musandirega ndichinyura; ndirwirei kuna vanondivenga, napamvura zhinji yakadzika.