Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 69:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndiponesei, imi Mwari, nokuti mvura zhinji yakwira kusvikira pamutsipa wangu.

2. Ndinonyura munhope yakadzika, pasina pangatsika makumbo angu. Ndapinda mumvura yakadzika; ndafukidzwa namafashamu.

3. Ndaneta nokuridza mhere yokuti ndibatsirwe; huro dzangu dzaoma, meso angu aneta, nokumirira Mwari wangu.

4. Vanondivenga ndisina mhosva vakawanda kupfuura bvudzi romusoro wangu; vanondivenga ndisina mhosva vazhinji, avo vanotsvaka kundiparadza. Ndinomanikidzwa kudzosera zvandisina kuba.

5. Munoziva upenzi hwangu, imi Mwari; mhaka yangu haina kuvanzika kwamuri.

6. Vaya vane tariro mamuri ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu, haiwa Ishe, Jehovha Wamasimba Ose; vanokutsvakai ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu, haiwa Mwari waIsraeri.

7. Nokuti ndinotsunga kusekwa hangu nokuda kwenyu, uye nyadzi dzafukidza chiso changu.

8. Ndiri mutorwa kuhama dzangu, nomweni kuvanakomana vamai vangu;

9. nokuti kushingairira imba yenyu kwandipedza, uye kutuka kwaavo vanokutukai kunowira pamusoro pangu.

10. Pandinochema nokutsanya, ndinofanira kushinga pakusekwa;

11. pandinofuka nguo dzamasaga, vanhu vanondiita shumo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 69