Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 6:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Haiwa Jehovha, regai kundirayira pakutsamwa kwenyu, kana kundiranga muhasha dzenyu.

2. Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya; haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza.

3. Mweya wangu uri kurwadziwa. Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko?

4. Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira; ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.

5. Hakuna anokurangarirai kana afa. Ndiani anokurumbidzai kubva muguva?

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 6