Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 54:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndiponesei, imi Mwari, nezita renyu; ndiruramisirei nesimba renyu.

2. Inzwai munyengetero wangu, imi Mwari; teererai kumashoko omuromo wangu.

3. Vatorwa vanondirwisa; vanhu vane utsinye vanotsvaka upenyu hwangu, vanhu vasingazivi Mwari. Sera

4. Zvirokwazvo Mwari ndiye mubatsiri wangu; ishe ndiye anonditsigira.

5. Zvakaipa ngazvimonere pana avo vanondireva; muvaparadze pakutendeka kwenyu.

6. Ndichakubayirai chipiriso chokungopa; ndicharumbidza zita renyu, imi Jehovha, nokuti rakanaka.

7. Nokuti akandirwira pamatambudziko angu ose, uye mukukunda, meso angu akatarisa vavengi vangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 54