Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 49:12-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Asi munhu, kunyange ane pfuma yake, haagari; akafanana nemhuka dzinofa.

13. Ndiwo magumo aivavo vanovimba nezvavanoita, namagumo avateveri vavo, vanotenda zvavanotaura. Sera

14. Samakwai vakatarirwa kuenda kuguva, uye rufu ruchavadya. Vakarurama vachavatonga mangwanani; chimiro chavo chichaora murinda, kure nedzimba dzavo dzoumambo.

15. Asi Mwari achadzikinura upenyu hwangu kubva muguva, zvirokwazvo achanditora iye. Sera

16. Usanyanya kutya kana munhu apfuma, kana kubwinya kweimba yake kwawedzerwa;

17. nokuti haana chaachatora paanofa; kubwinya kwake hakungaburukiri naye murinda.

18. Kunyange paairarama aizviti akaropafadzwa, uye vanhu vachirumbidza munhu paanobudirira,

19. achabatana norudzi rwamadzibaba ake, vasingazoonizve chiedza choupenyu.

20. Munhu ane pfuma zhinji asinganzwisisi akaita semhuka dzinofa.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 49