Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 49:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Inzwai izvi, imi vanhu mose; teererai imi mose mugere panyika,

2. vapasi navapamusoro, vapfumi navarombo pamwe chete.

3. Muromo wangu uchataura nouchenjeri; kutaura kunobva pamwoyo wangu kuchapa kunzwisisa.

4. Ndicharerekera nzeve yangu kuchirevo; nembira ndichadudzira shoko rangu rakavanzika.

5. Ndinotyireiko kana mazuva akaipa achiuya, kana vanyengeri vakaipa vandikomberedza,

6. vaya vanovimba nepfuma yavo vanozvikudza nepfuma yavo zhinji?

7. Hakuna munhu angadzikinura upenyu hwomumwe kana kupa Mwari rudzikinuro rwake,

8. rudzikinuro rwoupenyu runokosha, hakuna muripo unoringana nahwo,

9. kuti ararame nokusingaperi uye kuti asaona kuora.

10. Nokuti vose vanogona kuona kuti vanhu vakachenjera vanofa; mapenzi navasina pfungwa zvimwe chetezvo vanofa, uye vanosiyira vamwe pfuma yavo.

11. Marinda avo achagara ari dzimba dzavo nokusingaperi, nougaro hwavo kusvikira kumarudzi asingaperi, kunyange vakanga vakapa nyika mazita avo.

12. Asi munhu, kunyange ane pfuma yake, haagari; akafanana nemhuka dzinofa.

13. Ndiwo magumo aivavo vanovimba nezvavanoita, namagumo avateveri vavo, vanotenda zvavanotaura. Sera

14. Samakwai vakatarirwa kuenda kuguva, uye rufu ruchavadya. Vakarurama vachavatonga mangwanani; chimiro chavo chichaora murinda, kure nedzimba dzavo dzoumambo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 49