16. chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa, kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika.
17. Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.
18. Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.
19. Akarurama angava namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ose;
20. anochengetedza mapfupa ake ose, hakuna nerimwe rawo richavhunika.
21. Zvakaipa zvichauraya vakaipa; vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva.
22. Jehovha anodzikinura varanda vake; hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.