Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 34:12-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Ani naani wenyu anoda upenyu, uye uchida kuona mazuva akawanda,

13. dzora rurimi rwako pane zvakaipa nemiromo yako pakureva nhema.

14. Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka; tsvaka rugare uye urutevere.

15. Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo;

16. chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa, kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika.

17. Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.

18. Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.

19. Akarurama angava namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ose;

20. anochengetedza mapfupa ake ose, hakuna nerimwe rawo richavhunika.

21. Zvakaipa zvichauraya vakaipa; vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva.

22. Jehovha anodzikinura varanda vake; hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 34