Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 34:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu.

2. Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare.

3. Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete.

4. Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 34