1. Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu.
2. Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare.
3. Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete.
4. Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose.
5. Vanotarira kwaari vanopenya; zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi.
6. Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa; akamuponesa pakutambudzika kwake kwose.
7. Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya, uye anovasunungura.
8. Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; akaropafadzwa munhu anovanda maari.
9. Ityai Jehovha, imi vatsvene vake, nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa.
10. Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara, asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka.