Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 34:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu.

2. Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare.

3. Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete.

4. Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose.

5. Vanotarira kwaari vanopenya; zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi.

6. Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa; akamuponesa pakutambudzika kwake kwose.

7. Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya, uye anovasunungura.

8. Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; akaropafadzwa munhu anovanda maari.

9. Ityai Jehovha, imi vatsvene vake, nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa.

10. Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara, asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 34