Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 22:16-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Imbwa dzakandikomba; boka ravanhu vakaipa rakandipoteredza, vakabvoora maoko angu netsoka dzangu.

17. Ndinokwanisa kuverenga mapfupa angu ose; vanhu vanondinananidza uye vanofarira kutambudzika kwangu.

18. Vanogovana nguo dzangu pakati pavo vanokanda mijenya panguo yangu.

19. Asi imi, Jehovha, regai kuva kure neni; imi simba rangu, kurumidzai kundibatsira.

20. Rwirai upenyu hwangu pamunondo, ihwo upenyu hwangu hunokosha, kubva pasimba rembwa.

21. Ndinunurei pamuromo weshumba; ndiponesei panyanga dzenyati.

22. Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu; ndichakurumbidzai paungano.

23. Imi munotya Jehovha, murumbidzei! Imi mose zvizvarwa zvaJakobho, mukudzei! Mutyei, imi mose zvizvarwa zvaIsraeri!

24. Nokuti haana kuzvidza kana kusema chibayiro chaiye akatambudzwa; haana kumuvanzira chiso chake, asi akanzwa kuchemera kwake rubatsiro.

25. Kwamuri ndiko kunobva dingindira rerumbidzo yangu paungano huru; ndichazadzisa mhiko dzangu pamberi pavanokutyai.

26. Varombo vachadya uye vagoguta; vanotsvaka Jehovha vachamurumbidza, mwoyo yenyu ngairarame nokusingaperi!

27. Migumo yose yenyika icharangarira igodzokera kuna Jehovha, uye mhuri dzendudzi dzose dzichapfugama pamberi pake,

28. nokuti ushe ndohwaJehovha uye anotonga pamusoro pendudzi.

29. Vapfumi vose venyika vachadya uye vachamunamata; vose vanoburukira muguruva vachapfugama pamberi pake, navose vasingagoni kuzviraramisa.

30. Vana vake vachamushumira; marudzi anotevera achaudzwa nezvaIshe.

31. Vachaparidza kururama kwake kuvanhu vasati vaberekwa, nokuti akazviita.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 22