Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 118:3-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Imba yaAroni ngaiti, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

4. Avo vanotya Jehovha ngavati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

5. Mukurwadziwa kwangu ndakadana kuna Jehovha, uye akandipindura nokundisunungura.

6. Jehovha aneni; handingatyi. Munhu angandiiteiko?

7. Jehovha aneni; ndiye mubatsiri wangu. Ndichatarira vavengi vangu nokukunda.

8. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba nomunhu.

9. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba namachinda.

10. Ndudzi dzose dzakandikomba, asi ndakavaparadza muzita raJehovha.

11. Vakandikomba pamativi ose, asi ndakavaparadza muzita raJehovha.

12. Vakandimomotera senyuchi, asi vakakurumidza kufa seminzwa inotsva, ndakavaparadza muzita raJehovha.

13. Ndakasundidzirwa shure uye ndikada kuwa, asi Jehovha akandibatsira.

14. Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; ndiye ava ruponeso rwangu.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 118