Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 118:17-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Handingafi asi ndichararama, uye ndichaparidza zvakaitwa naJehovha.

18. Jehovha akandiranga kwazvo, asi haana kundiisa kurufu.

19. Ndizarurireiwo masuo okururama; ndichapinda ndigovonga Jehovha.

20. Iri ndiro suo raJehovha panopinda navakarurama.

21. Ndichakuvongai, nokuti makandipindura; makava ruponeso rwangu.

22. Dombo rakarambwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona;

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 118