Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 107:9-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. nokuti anogutsa vane nyota, uye vane nzara anovazadza nezvakanaka.

10. Vamwe vakagara murima nokusviba kwakadzika dzika, vari vasungwa vanotambudzika muzvisungo zvamatare,

11. nokuti vakanga vamukira mashoko aMwari uye vakazvidza kurayira kwoWokumusorosoro.

12. Saka akaita kuti vashande zvinorwadza; vakagumburwa, uye pakanga pasina anovabatsira.

13. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo.

14. Akavabudisa murima nomukusviba kwakadzika dzika, uye akadambura ngetani dzavo.

15. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira,

16. nokuti anopwanya masuo endarira, uye akagura mazariro esimbi.

17. Vamwe vakava mapenzi nokuda kwenzira dzavo dzokumukira, uye vakatambudzwa kwazvo nokuda kwezvakaipa zvavo.

18. Vakasema zvokudya zvose, uye vakaswedera pamasuo orufu.

19. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo.

20. Akatuma shoko rake uye akavaporesa; akavanunura kubva paguva.

21. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira.

22. Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, uye vareve zvamabasa ake nenziyo dzomufaro.

23. Vamwe vakafamba rwendo pagungwa nezvikepe; vakanga vari vashambadziri pamvura zhinji.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 107