Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 107:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye nokuda kwamabasa anoshamisa aakavaitira,

9. nokuti anogutsa vane nyota, uye vane nzara anovazadza nezvakanaka.

10. Vamwe vakagara murima nokusviba kwakadzika dzika, vari vasungwa vanotambudzika muzvisungo zvamatare,

11. nokuti vakanga vamukira mashoko aMwari uye vakazvidza kurayira kwoWokumusorosoro.

12. Saka akaita kuti vashande zvinorwadza; vakagumburwa, uye pakanga pasina anovabatsira.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 107