Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 107:40-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

40. iye anodurura kuzvidzwa pamusoro pamakurukota, akaita kuti vadzungaire musango risina nzira.

41. Akasimudza vanoshayiwa kubva mukutambudzika kwavo, uye akawedzera mhuri dzavo samapoka amakwai.

42. Vakarurama vanozviona vagofara, asi vakaipa vose vanodzivirwa miromo yavo.

43. Ani naani akachenjera ngaachengete zvinhu izvi, uye arangarire rudo rukuru rwaJehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 107