Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 107:31-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. Ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakaitira vanhu.

32. Ngavamukudze paungano yavanhu, uye vamurumbidze pagungano ramakurukota.

33. Akashandura nzizi dzikava gwenga, hova dzinoerera dzikava nyika ine nyota,

34. uye nyika yezvibereko ikava gwenga romunyu, nokuda kwezvakaipa zvavaigaramo.

35. Akashandura gwenga rikava madziva emvura, nenyika yakaoma ikava zvitubu zvinoerera;

36. ndipo paakagarisa vane nzara. uye vakavaka guta ravangagara.

37. Vakadyara minda, uye vakasima minda yemizambiringa, ikabereka mukohwo wakanaka;

38. akavaropafadza, uye akavawanza zvikuru, uye haana kutendera zvipfuwo zvavo kuparara.

39. Ipapo vakava vashoma, uye vakaninipiswa vakadzvinyirirwa, nenjodzi uye nokusuwa;

40. iye anodurura kuzvidzwa pamusoro pamakurukota, akaita kuti vadzungaire musango risina nzira.

41. Akasimudza vanoshayiwa kubva mukutambudzika kwavo, uye akawedzera mhuri dzavo samapoka amakwai.

42. Vakarurama vanozviona vagofara, asi vakaipa vose vanodzivirwa miromo yavo.

43. Ani naani akachenjera ngaachengete zvinhu izvi, uye arangarire rudo rukuru rwaJehovha.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 107