Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 107:26-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Vakaenda kumusoro kumatenga vakaendawo pasi kwakadzika; mukutambudzika kwavo kushinga kwavo kwakanyongodeka.

27. Vakandeya vakadzedzereka savanhu vadhakwa; vakasvika pamagumo amano avo.

28. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavabudisa pakutambura kwavo.

29. Akanyaradza dutu remhepo nezevezeve; mafungu egungwa akanyarara kuti mwiro.

30. Vakafara parakadzikama, uye akavatungamirira pakadzikama pavaida.

31. Ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakaitira vanhu.

32. Ngavamukudze paungano yavanhu, uye vamurumbidze pagungano ramakurukota.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 107