Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 107:21-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira.

22. Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, uye vareve zvamabasa ake nenziyo dzomufaro.

23. Vamwe vakafamba rwendo pagungwa nezvikepe; vakanga vari vashambadziri pamvura zhinji.

24. Vakaona mabasa aJehovha, mabasa ake anoshamisa pakadzika.

25. Nokuti akataura uye akamutsa dutu rikasimudza mafungu.

26. Vakaenda kumusoro kumatenga vakaendawo pasi kwakadzika; mukutambudzika kwavo kushinga kwavo kwakanyongodeka.

27. Vakandeya vakadzedzereka savanhu vadhakwa; vakasvika pamagumo amano avo.

28. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavabudisa pakutambura kwavo.

29. Akanyaradza dutu remhepo nezevezeve; mafungu egungwa akanyarara kuti mwiro.

30. Vakafara parakadzikama, uye akavatungamirira pakadzikama pavaida.

31. Ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakaitira vanhu.

32. Ngavamukudze paungano yavanhu, uye vamurumbidze pagungano ramakurukota.

33. Akashandura nzizi dzikava gwenga, hova dzinoerera dzikava nyika ine nyota,

34. uye nyika yezvibereko ikava gwenga romunyu, nokuda kwezvakaipa zvavaigaramo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 107