Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 107:15-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira,

16. nokuti anopwanya masuo endarira, uye akagura mazariro esimbi.

17. Vamwe vakava mapenzi nokuda kwenzira dzavo dzokumukira, uye vakatambudzwa kwazvo nokuda kwezvakaipa zvavo.

18. Vakasema zvokudya zvose, uye vakaswedera pamasuo orufu.

19. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo.

20. Akatuma shoko rake uye akavaporesa; akavanunura kubva paguva.

21. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira.

22. Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, uye vareve zvamabasa ake nenziyo dzomufaro.

23. Vamwe vakafamba rwendo pagungwa nezvikepe; vakanga vari vashambadziri pamvura zhinji.

24. Vakaona mabasa aJehovha, mabasa ake anoshamisa pakadzika.

25. Nokuti akataura uye akamutsa dutu rikasimudza mafungu.

26. Vakaenda kumusoro kumatenga vakaendawo pasi kwakadzika; mukutambudzika kwavo kushinga kwavo kwakanyongodeka.

27. Vakandeya vakadzedzereka savanhu vadhakwa; vakasvika pamagumo amano avo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 107