Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 107:1-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.

2. Vakadzikinurwa naJehovha ngavadaro, vaakadzikinura muruoko rwomuvengi,

3. avo vaakaunganidza kubva panyika dzose, kubva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi.

4. Vamwe vakadzungaira murenje nomugwenga, vachishayiwa nzira yokuenda kuguta rwavangagara.

5. Vakanga vava vane nzara nenyota, uye upenyu hwavo hwakanga hwoparara.

6. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, akavarwira pakutambura kwavo.

7. Akavafambisa nenzira yakarurama kuenda kuguta ravaizogara.

8. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye nokuda kwamabasa anoshamisa aakavaitira,

9. nokuti anogutsa vane nyota, uye vane nzara anovazadza nezvakanaka.

10. Vamwe vakagara murima nokusviba kwakadzika dzika, vari vasungwa vanotambudzika muzvisungo zvamatare,

11. nokuti vakanga vamukira mashoko aMwari uye vakazvidza kurayira kwoWokumusorosoro.

12. Saka akaita kuti vashande zvinorwadza; vakagumburwa, uye pakanga pasina anovabatsira.

13. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo.

14. Akavabudisa murima nomukusviba kwakadzika dzika, uye akadambura ngetani dzavo.

15. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira,

16. nokuti anopwanya masuo endarira, uye akagura mazariro esimbi.

17. Vamwe vakava mapenzi nokuda kwenzira dzavo dzokumukira, uye vakatambudzwa kwazvo nokuda kwezvakaipa zvavo.

18. Vakasema zvokudya zvose, uye vakaswedera pamasuo orufu.

19. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 107