Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 107:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.

2. Vakadzikinurwa naJehovha ngavadaro, vaakadzikinura muruoko rwomuvengi,

3. avo vaakaunganidza kubva panyika dzose, kubva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi.

4. Vamwe vakadzungaira murenje nomugwenga, vachishayiwa nzira yokuenda kuguta rwavangagara.

5. Vakanga vava vane nzara nenyota, uye upenyu hwavo hwakanga hwoparara.

6. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, akavarwira pakutambura kwavo.

7. Akavafambisa nenzira yakarurama kuenda kuguta ravaizogara.

8. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye nokuda kwamabasa anoshamisa aakavaitira,

9. nokuti anogutsa vane nyota, uye vane nzara anovazadza nezvakanaka.

10. Vamwe vakagara murima nokusviba kwakadzika dzika, vari vasungwa vanotambudzika muzvisungo zvamatare,

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 107