Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 106:23-36 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Saka akati, achavaparadza, dai Mozisi, musanangurwa wake, asina kumira pamberi pake kuti adzore hasha dzake pakuvaparadza.

24. Ipapo vakazvidza nyika inofadza; havana kutenda zvaakavimbisa.

25. Vakanyunyuta vari mumatende avo vakasateerera Jehovha.

26. Saka akapika akasimudza ruoko rwake kuti achavaparadza murenje,

27. achaparadza zvizvarwa zvavo pakati pendudzi, agovaparadzira munyika dzose.

28. Vakazvibatanidza pamwe chete naBhaari wePeori, uye vakadya zvibayiro zvakabayirwa vamwari vakafa.

29. Vakatsamwisa Jehovha namabasa avo akaipa, uye denda rikavapo pakati pavo.

30. Asi Finehasi akasimuka, akaita zvakarurama, denda rikaguma.

31. Izvozvo zvakanzi kwaari kururama kusvikira kumarudzi namarudzi nokusingaperi.

32. Vakatsamwisa Jehovha pamvura zhinji yeMeribha, uye Mozisi akaoneswa nhamo nokuda kwavo;

33. nokuti vakamukira Mweya waMwari, Mozisi akataura nehasha nomuromo wake.

34. Havana kuparadza marudzi sokurayirwa kwavakaitwa naJehovha,

35. asi vakavhengana nendudzi, vakatora tsika dzavo.

36. Vakanamata zvifananidzo zvavo, izvo zvakazova musungo kwavari.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 106