Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 106:14-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Havana kuzvidzora pakukara kwavo mugwenga; vakaedza Mwari murenje.

15. Saka akavapa zvavakakumbira, asi akatuma mweya wokuonda pamusoro pavo.

16. Vakaitira Mozisi godo mumusasa, naAroni, akanga akatsaurirwa kuna Jehovha.

17. Nyika yakazaruka ikamedza Dhatani; ikaviga boka raAbhiramu.

18. Moto wakapfuta pakati pavateveri vavo; murazvo ukaparadza vakaipa.

19. Vakaumba mhuru paHorebhi, vakanamata chifananidzo chakaumbwa.

20. Vakatsinhanhisa kubwinya kwavo nomufananidzo wehando, inodya uswa.

21. Vakakanganwa Mwari akavaponesa, uyo akanga aita zvinhu zvikuru muIjipiti,

22. mabasa anoshamisa munyika yaHamu namabasa anotyisa paGungwa Dzvuku.

23. Saka akati, achavaparadza, dai Mozisi, musanangurwa wake, asina kumira pamberi pake kuti adzore hasha dzake pakuvaparadza.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 106