Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 106:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Rumbidzai Jehovha. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.

2. Ndianiko angaparidza mabasa aJehovha esimba, kana kureva kurumbidzwa kwake kwose?

3. Vakaropafadzwa vanochengeta kururamisira, vanogara vachiita zvakarurama.

4. Ndirangarirei, imi Jehovha, pamunoratidza nyasha kuvanhu venyu, pamunovaponesa, mundibatsirewo,

5. kuti ndifadzwe nokubudirira kwavasanangurwa venyu, kuti ndigovane pamufaro wavanhu venyu, uye ndibatane nenhaka yenyu pakurumbidza.

6. Takatadza, sezvakaita madzibaba edu; takaita zvakaipa uye takaita mabasa akaipa.

7. Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti, havana kumbofunga nezvezvishamiso zvenyu; havana kurangarira tsitsi dzenyu zhinji, asi vakakumukirai pagungwa, iro Gungwa Dzvuku.

8. Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, kuti simba rake guru rizivikanwe.

9. Akarayira Gungwa Dzvuku iro rikapwa; uye akavafambisa napakadzika sevanopfuura nomugwenga.

10. Akavaponesa kubva muruoko rwomuvengi; akavadzikinura kubva muruoko rwomuvengi.

11. Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; hakuna mumwe wavo akapona.

12. Ipapo vakatenda vimbiso dzake vakaimba vachimurumbidza.

13. Asi vakakurumidza kukanganwa zvaakanga aita, uye vakasamirira kurayira kwake.

14. Havana kuzvidzora pakukara kwavo mugwenga; vakaedza Mwari murenje.

15. Saka akavapa zvavakakumbira, asi akatuma mweya wokuonda pamusoro pavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 106