Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 103:8-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Jehovha ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo.

9. Haangarambi achipomera mhosva, uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi;

10. haatiitiri sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.

11. Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika, ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya;

12. sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri.

13. Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya;

14. nokuti anoziva kuti takaumbwa sei, anorangarira kuti tiri guruva.

15. Kana ari munhu zvake, mazuva ake akaita souswa, anokura seruva resango;

16. mhepo inorova napamusoro paro onei raenda, uye nzvimbo yaranga riri haicharirangaririzve.

17. Asi kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi, rudo rwaJehovha rwuri pana avo vanomutya, nokururama kwake kuvana vavana vavo,

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 103