12. Simukai, imi Jehovha! Simudzai ruoko rwenyu, imi Mwari. Regai kukanganwa vanomanikidzwa.
13. Munhu akaipa anozvidzireiko Mwari? Seiko achiti mumwoyo make, “Haazondibvunzi?”
14. Asi imi, iyemi Mwari, munoona kutambudzika nokusuwa; munokutarisisa kuti mukupedze. Asina simba anozviisa kwamuri; muri mubatsiri wenherera.
15. Vhunai ruoko rwowakaipa norwomunhu akaipa; ngaazvidavirire pazvakaipa zvake zvakanga zvisingazoonekwi.
16. Jehovha ndiye Mambo nokusingaperi-peri; ndudzi dzichaparara munyika yake.
17. Munonzwa henyu, imi Jehovha, zvishuvo zvavanotambura; munovakurudzira, uye munoteerera kuchema kwavo,
18. muchiruramisira nherera nevakamanikidzwa, kuti munhu wenyika, arege kuramba achingovhundutsa.