Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 10:12-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Simukai, imi Jehovha! Simudzai ruoko rwenyu, imi Mwari. Regai kukanganwa vanomanikidzwa.

13. Munhu akaipa anozvidzireiko Mwari? Seiko achiti mumwoyo make, “Haazondibvunzi?”

14. Asi imi, iyemi Mwari, munoona kutambudzika nokusuwa; munokutarisisa kuti mukupedze. Asina simba anozviisa kwamuri; muri mubatsiri wenherera.

15. Vhunai ruoko rwowakaipa norwomunhu akaipa; ngaazvidavirire pazvakaipa zvake zvakanga zvisingazoonekwi.

16. Jehovha ndiye Mambo nokusingaperi-peri; ndudzi dzichaparara munyika yake.

17. Munonzwa henyu, imi Jehovha, zvishuvo zvavanotambura; munovakurudzira, uye munoteerera kuchema kwavo,

18. muchiruramisira nherera nevakamanikidzwa, kuti munhu wenyika, arege kuramba achingovhundutsa.

Verenga chitsauko zvakakwana Mapisarema 10