55. Ndakadana zita renyu, imi Jehovha, ndiri mugomba rakadzika.
56. Makanzwa kukumbira kwangu: “Regai kudzivira nzeve dzenyu pandinochemera rubatsiro.”
57. Makaswedera pedyo pandakakudanai, mukati, “Usatya.”
58. Haiwa Ishe, makandireverera mhaka yangu; makadzikinura upenyu hwangu.
59. Makaona imi Jehovha, zvakaipa zvandakaitirwa. Nditongerei mhaka yangu!