Testamende Yekare

Testamende Itsva

Kuungudza Kwajeremia 3:55-59 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

55. Ndakadana zita renyu, imi Jehovha, ndiri mugomba rakadzika.

56. Makanzwa kukumbira kwangu: “Regai kudzivira nzeve dzenyu pandinochemera rubatsiro.”

57. Makaswedera pedyo pandakakudanai, mukati, “Usatya.”

58. Haiwa Ishe, makandireverera mhaka yangu; makadzikinura upenyu hwangu.

59. Makaona imi Jehovha, zvakaipa zvandakaitirwa. Nditongerei mhaka yangu!

Verenga chitsauko zvakakwana Kuungudza Kwajeremia 3