Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Kuungudza Kwajeremia 3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yehasha dzake.

2. Akandidzingira kure akaita kuti ndifambe murima panzvimbo yomuchiedza;

3. zvirokwazvo, akashandura ruoko rwake kuti rundirwise nguva nenguva, zuva rose.

4. Akasakadza ganda rangu nenyama yangu uye akavhuna mapfupa angu.

5. Akandikomba akandipoteredza neshungu nokurwadziswa.

6. Akandigarisa murima savanhu vakanguri vafa.

7. Akandipfigira kuti ndisapunyuka, akandiremedza nengetani.

8. Kunyange ndikadana kana kuridza mhere kuti ndibatsirwe, anopfigira munyengetero wangu kunze.

9. Akadzivirira nzira yangu namatombo; akaminamisa nzira dzangu.

10. Sebere rakavandira, seshumba yakavanda,

11. akandikwekweredza kubva munzira nokundibvarura-bvarura. akandisiya ndisina rubatsiro.

12. Akawembura uta hwake akandiita chinhu chinonangwa chemiseve yake.

13. Akabaya mwoyo wangu nemiseve yaibva mugoba rake.

14. Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; vakandihomera nenziyo pazuva rose.

15. Akandigutsa nomuriwo unovava. uye akandinwisa nduru.

16. Akagura mazino angu nerukangarabwe; akanditsokodzera muguruva.

17. Ndakatorerwa rugare; ndakakanganwa kuti kubudirira chii.

18. Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.”

19. Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru.

20. Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu.

21. Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro:

22. Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi.

23. Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.

24. Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.”

25. Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, kumunhu anomutsvaka;

26. chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaJehovha unyerere.

27. Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko achiri mudiki.

28. Ngaagare ari oga anyerere, nokuti Jehovha ndiye akariturika paari.

29. Ngaavige chiso chake muguruva, zvimwe tariro ichiripo.

30. Ngaape dama rake kumunhu anomurova, uye ngaazadzwe nenyadzi.

31. Nokuti vanhu havangaraswi naIshe nokusingaperi.

32. Kunyange achiuyisa kusuwa, achanzwira hake tsitsi, rukuru sei rudo rwake rusingaperi.

33. Nokuti haafariri kuuyisa kurwadziwa kana kusuwa kuvana vavanhu.

34. Kutsikira pasi petsoka vasungwa vose venyika,

35. kurambira munhu kodzero yake pamberi poWokumusoro-soro,

36. kutadzisa munhu kuwana kururamisirwa kwake ko, Ishe haangaoni zvinhu zvakadai here?

37. Ndiani angataura akaita kuti zviitike kana Ishe asina kuzvirayira?

38. Ko, hazvibvi mumuromo woWokumusoro-soro here zvose zvakaipa nezvinhu zvakanaka zvinouya?

39. Ko, munhu mupenyu anonyunyutirei kana arangwa nokuda kwezvivi zvake?

40. Ngatinzverei nzira dzedu uye ngatidziedzei, uye ngatidzokerei kuna Jehovha.

41. Ngatisimudzei mwoyo yedu namaoko edu kuna Mwari ari kudenga, tigoti:

42. “Takatadza uye takakumukirai uye imi hamuna kukanganwira.

43. Makazvifukidza nokutsamwa mukadzingana nesu; makauraya musinganzwiri ngoni.

44. Makazvipfukidza negore kuti kurege kuva nomunyengetero ungasvikako.

45. Makatiita marara netsvina pakati pendudzi.

46. “Vavengi vedu vose vakashama miromo yavo kwazvo kuti vatituke.

47. Takawirwa nokutya uye takateyiwa nehunza, kuparara nokuparadzwa kukuru.”

48. Hova dzemisodzi dzinoyerera kubva mumaziso angu, nokuti vanhu vangu vaparadzwa.

49. Meso angu acharamba achiyerera misodzi, pasina zvinoyamura,

50. kusvikira Jehovha aringira pasi kubva kudenga akaona.

51. Zvandinoona zvinochemedza mweya wangu. nokuda kwavakadzi vose veguta rangu.

52. Avo vakanga vari vavengi vangu ini ndisina mhaka vakandivhima seshiri.

53. Vakaedza kundiuraya mugomba uye vakapotsera matombo kwandiri;

54. mvura zhinji yakafukidza musoro wangu, uye ndakafunga kuti ndava pedyo nokufa.

55. Ndakadana zita renyu, imi Jehovha, ndiri mugomba rakadzika.

56. Makanzwa kukumbira kwangu: “Regai kudzivira nzeve dzenyu pandinochemera rubatsiro.”

57. Makaswedera pedyo pandakakudanai, mukati, “Usatya.”

58. Haiwa Ishe, makandireverera mhaka yangu; makadzikinura upenyu hwangu.

59. Makaona imi Jehovha, zvakaipa zvandakaitirwa. Nditongerei mhaka yangu!

60. Makaona udzamu hwokutsva kwavo, idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu.

61. Haiwa Jehovha, makanzwa kutuka kwavo, idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu,

62. dzinozevezerwa nokundurumwa navavengi vangu pamusoro pangu zuva rose.

63. Tarirai kwavari! Vakagara kana kumira, vanondituka nenziyo dzavo.

64. Varipidzirei zvakavafanira, imi Jehovha, zvakaitwa namaoko avo.

65. Isai chidziro pamwoyo yavo, uye kutuka kwenyu ngakuve pamusoro pavo!

66. Vadzinganisei makatsamwa muvaparadze, vabve pasi pamatenga aJehovha.