Testamende Yekare

Testamende Itsva

Kuungudza Kwajeremia 3:22-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

22. Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi.

23. Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.

24. Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.”

25. Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, kumunhu anomutsvaka;

26. chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaJehovha unyerere.

27. Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko achiri mudiki.

28. Ngaagare ari oga anyerere, nokuti Jehovha ndiye akariturika paari.

Verenga chitsauko zvakakwana Kuungudza Kwajeremia 3