Testamende Yekare

Testamende Itsva

Kuungudza Kwajeremia 3:19-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru.

20. Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu.

21. Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro:

22. Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi.

23. Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.

24. Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.”

25. Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, kumunhu anomutsvaka;

26. chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaJehovha unyerere.

27. Chinhu chakanaka kuti munhu atakure joko achiri mudiki.

28. Ngaagare ari oga anyerere, nokuti Jehovha ndiye akariturika paari.

29. Ngaavige chiso chake muguruva, zvimwe tariro ichiripo.

30. Ngaape dama rake kumunhu anomurova, uye ngaazadzwe nenyadzi.

31. Nokuti vanhu havangaraswi naIshe nokusingaperi.

32. Kunyange achiuyisa kusuwa, achanzwira hake tsitsi, rukuru sei rudo rwake rusingaperi.

33. Nokuti haafariri kuuyisa kurwadziwa kana kusuwa kuvana vavanhu.

34. Kutsikira pasi petsoka vasungwa vose venyika,

35. kurambira munhu kodzero yake pamberi poWokumusoro-soro,

36. kutadzisa munhu kuwana kururamisirwa kwake ko, Ishe haangaoni zvinhu zvakadai here?

37. Ndiani angataura akaita kuti zviitike kana Ishe asina kuzvirayira?

38. Ko, hazvibvi mumuromo woWokumusoro-soro here zvose zvakaipa nezvinhu zvakanaka zvinouya?

Verenga chitsauko zvakakwana Kuungudza Kwajeremia 3