Testamende Yekare

Testamende Itsva

Kuungudza Kwajeremia 1:13-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. “Akatuma moto kubva kumusoro-soro, akautumira mumapfupa angu. Akateya makumbo angu nomumbure uye akandidzosera shure. Akandisiya ndisina chinhu, ndikapera simba zuva rose.

14. “Zvivi zvangu zvasungwa zvikaitwa joko; namaoko ake zvakarukirwa pamwe chete, zvauya pamutsipa wangu uye Ishe apedza simba rangu. Akandiisa mumaoko avanhu vandisingagoni kukunda.

15. “Ishe akaramba mhare dzose dziri pakati pangu; akakokera hondo kuzondirwisa kuzopwanya majaya angu. Ishe akatsika-tsika Mhandara Mwanasikana waJudha muchisviniro chake chewaini.

16. “Ndokusaka ndichichema uye maziso angu achierera nemisodzi. Hapana ari pedyo kuti andinyaradze, hakuna anovandudza mweya wangu, Vana vangu vari kutambudzika nokuti muvengi akunda.”

17. Zioni rinotambanudza maoko aro, asi hakuna munhu anorinyaradza. Jehovha akaisa chirevo pamusoro paJakobho, kuti vavakidzani vake vave vavengi vake; Jerusarema richava chinhu chisina kunatswa pakati pavo.

18. Jehovha akarurama, asi ini ndakamukira murayiro wake. Inzwai, imi vanhu mose; onai kutambudzika kwangu. Majaya angu navarandakadzi vangu vakaenda kuutapwa.

19. “Ndakadana kushamwari dzangu asi vakandipandukira. Vaprista vangu navakuru vangu vakafira muguta, pavakanga vachitsvaka zvokudya kuti vazviraramise.

Verenga chitsauko zvakakwana Kuungudza Kwajeremia 1